Accessibility links

VaMangudya Vanoti Hachisi Chokwadi Kuti Zimbabwe Yatara "Rand" Zviri paMutemo


Gavhuna weReserve Bank reZimbabwe, VaJohn Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti manyepo kuti Zimbabwe iri kuda kuti mari yekuSouth Africa yemaRands ive iyo inoshandiswa munyika zviri pamutemo.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wange wakarongwa neveConfederation of Zimbabwe Industries wekuongorora kuti chii chiri kunetsa mumaindusitiri pamwe nekukwidzwa kwemitengo, VaMangudya vati zviri kutaurwa pamadandemutande manyepo uye vatori venhau vanofanira kuzivisa vanhu chokwadi.

Vati dai zviri kubuda pamadandemutande izvi zviri zvechokwadi, ivo pachavo vangadai vakatozivisa nyika pamwe neveruzhinnji.

Vatiwo zviri pachena kuti vari kufambisa mashoko aya pamadandemutande vane chinangwa chavainacho.

VaMangudya vakati pari zvino Zimbabwe inoshandisa mari dzenyika dzakawanda kusanganisira maRands uye izvi ndozvicharamba zviripo kwete zviri kutaurwa.

VaMangudya vakatiwo zvichitevera danho rakatorwa nehurumende rekurambidza kutengeswa kwemari mumigwagwa, bhanga ravo ratanga kupa marezenisi ekutenga, kutengesa kana kuchinja mari kana kuti kumaBureau deChange.

Vati parizvino vapa marezenisi gumi nematatu uye vacharamba vachipa mamwe akawanda.

Vatiwo mumaBureau deChange mutengo wemari unenge usingadarike zvikamu gumi kubva muzana uye izvi zvichabatsirawo kuderedza mitengo.

Mutungamiriri weCZI, VaSifelenai Jabangwe, vati danho rakatorwa neRBZ rekuti vanhu vakwanise kutenga mari pamisika iri pamutemo zvichabatsirawo kuderedza mitengo sezvo mamwe makambani ange ari kutenga mari yekunze pamukoto.

Mukuru weConferderations of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vatambirawo danho iri uye vakati tariro yavo ndeyekuti izvi zvichabatsira mukuderedza mitengo nekuti mari yekunze iwanikwe.

VaMangudya vati kubvira muna Ndira kusvika muna Gunyana nyika yakawana mari yekunze inosvika mabhiriyoni mana asi dambudziko nderekuti mari iyi haisi kushandiswa zvine mwero kana kushandiswa kutenga zvinhu zvingasimudzire hupfumi kana maindasitiri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG