Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Hurumende Ngaigadzirise Hurombo Huri Munyika


VaTendai Biti
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaparura neChina magwaro matatu anoratidza hurombo huri munyika. VaBiti vanoti hurumende inofanira kugadzirisa zviri mumagwaro aya kana ichida kupedza kutambura kwevanhu pamwe nekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Magwaro aya anoti repoverty income consumption and expenditure survey, poverty datum line analysis ne demographic and health survey akanyorwa nechikamu chemubazi remari cheZimbabwe National Statistics Agency uye anotaura nezvemararamiro evanhu.

Magwaro aya anoratidza kuti vazhinji munyika vari kutambura.

Zvikamu makumi matanhatu nechidimbu kubva muzana zvevanhu vese munyika vanonzi varombo uye zvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana vane hurombo hunotyisa.

Zvimwewo zviri mumagwaro aya ndezvekuti zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemhuri dzekumaruwa dzine hurombo kana zvichienzaniswa nemhuri zvikamu makumi mana kubva muzana mumadhorobha.

Magwaro aya anoratidzawo kuti dunhu neMatabeleland North ndiro rine varombo vakawanda kudarika matunhu ese munyika.

VaBiti vanoti zviri mumagwaro aya zvinosuwisa uye zvinoreva kuti hurumende ine basa guru rekugadzirisa zvose izvi.

VaBiti vatiwo humbowo huri mumagwaro huno ratidzwo kuti zvimwe zvino aurwa kana kunyorwa pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika ndezvemanyepo.

Vati semuenzaniso pane mashoko anogarotaurwa ekuti zvikamu zvevanhu zvinodarika makumi masere kubva muzana hazvina mabasa. Asi vati magwaro aya anoratidza kuti vanhu vazhinji vari kuita basa uye chinongodiwa chete ndechekuona kuti vanhu ava varongwa kuti vakwanise kushanda zvakanaka.

VaBiti vati zviri mumagwaro aya zvinosungira kuti hurumende idzike mutemo nekuita zvirongwa zvinoderedza kana kupedza hurombo munyika.

Vati zvinhu izvi zvinosanganisira kuona kuti zviwanikwa nehupfumi zvaendeswa zvakafanana kumatunhu ese munyika.

VaBiti vatiwo nenyaya yekuti hurombo hwakawanda munyika, hurumende inofanira kuita zvirongwa zvekupedza nzara pamwe nemabasa ebudiriro munzvimbo idzi. Asi vati chakanyaya kukosha ndechekuti hurumende ishandise magwaro aya mukuronga mabasa ebudiriro nezvimwe
XS
SM
MD
LG