Accessibility links

Breaking News

POTRAZ Inodzima Nhare Dzevanhu Vasina Kunyoresa Nharembozha Dzavo


Vanhu vakatanga kuudzwa kuti vanyorese nharembozha dzavo kubva gore rapera, asi pane vamwe vasina kunge vanyoresa, izvo zviri kupa kuti nharembozha dzavo dzidzimwe

Boka rinoona nezvenhare munyika re Postal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe, kana kuti POTRAZ, rinoti vanhu vanokwanisa kuwana nhare munyika vadzikira kubva pamamiriyoni masere nechidimbu kusvika pamamiriyoni matanhatu, kubva kukwana kwakaita zuva ravainga vatara rekuti vanhuvange vanyoresa nharembozha dzavo.

Vanhu vakatanga kuudzwa kuti vanyorese nharembozha dzavo kubva gore rapera, asi pane vamwe vasina kunge vanyoresa, izvo zviri kupa kuti nharembozha dzavo dzidzimwe.

Kune mashoko anotiwo vanhu vakanyoresa nharembozha dzavo kuBulawayo, vari kudzimirwawo nhare dzavo.

POTRAZ inoongorora nyaya dzenhare munyika kubva ku ECONET, NETONE ne TELECEL. Mutauriri we NETONE, Va Rutendo Chabhururuka, vanoti nharembozha dzadzimwa nekuti vanhu havana kunyoresa munguva yakatarwa.

XS
SM
MD
LG