Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoparura Chirongwa cheBato Ravo Chekutsvaga Rutsigiro


VaTsvangirai vanoti mukati memazuva zana hurumende yavo yavekutonga ichapedza huwori, husimbe pamwe nekubiwa kwemari mumapazi ehurumende
Mutungamiriri werimwe bato reMDC VaMorgan Tsvangirai vaparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro chebato ravo kana kuti election manifesto, vachiti sarudzo dzinotevera dzinenge dzisina kujeka asi vakati vane chivimbo chekuti bato ravo ndiro richakunda musarudzo idzi.

VaTsvangirai, avo vari kumirira bato ravo musarudzo dzemutungamiriri wenyika, vaudza zviuru nezviuru zvevanhu munhandare yeRudhaka kuMarondera, mudunhu reMashonaland East, kuti kunyange hazvo paine chikiribidi chekubira sarudzo chiri kuitwa neZanu PF nevekumahosifisi ekwaRegistrar General, bato ravo richakunda Zanu PF zvine mutsindo.

Vakurudzira veruzhinji munyika kuti vavhotere bato ravo vachiti ndizvo zvichaita kuti matambudziko ese avakatarisana nawo apere.

VaTsvangirai vati hurumende yeMDC ine hurongwa hwekuwanisa vanhu mabasa, kusimudzira hupfumi hwenyika, kugadzira migwagwa, kuvakira vanhu dzimba nezvimwe zvinoita kuti hupenyu hwevanhu husimukire.

Vati dambudziko guru richatarisana nehurumende yavo inyaya yekushaikwa kwemabasa asi vakati nechirongwa chebato ravo che JUICE, vachakwanisa kuwanisa vanhu mabasa.

Vatiwo mukati memazuva zana hurumende yavo yavekutonga ichapedza huwori, husimbe pamwe nekubiwa kwemari mumapazi ehurumende.

VaTsvangirai vashora mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe nemashoko avo emusi weChishanu chapfuura ekuti vanogona kuburitsa Zimbabwe musangano reSADC vachiti havasi kuzovarega vachiburitsa nyika musangano iri.

VaMugabe vakataura mashoko aya paiparurawo bato ravo reZanu PF gwara raro svondo rapera muHarare munhandare yeZimbabwe Grounds, iri mumusha weHighfield.

Vatiwo vanopikisana naVaMugabe panyaya yekuda kudzora mari yemuno vachiti hazvisi kuzoitika uye mari yemuno ichadzoka chete kana zvinhu zvichinge zvanaka.

Bato reMDC ratorawo musangano uyu kuratidza veruzhinji nhengo dzicharimirira musarudzo dzeparamende kubva kumatunhu ese munyika.
XS
SM
MD
LG