Accessibility links

Breaking News

Hofisi yaVaMugabe neYaimbove yaVaTsvangirai Hadzina Kushandisa Mari neMazvo?


Gwaro raburitswa nehofisi ya Comptroller and Auditor General, pamusoro pemashandisirwo akaitwa mari nehurumende muna 2011 rinoratidza kuti mapazi mazhinji ehurumende haana kutevedza mitemo.

Mapazi aya anosanganisira mahofisi emutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemahofisi evaimbove mutungamiriri wehurumende munguva iyi, VaMorgan Tsvangirai.

Gwaro iri raturwa mudare reparamende yepasi, House of Assembly, uye rinoratidza kuti mapazi aya akange asiri kutevedzera mitemo yebazi rezvamari pakushandiswa kwemari pamwe nekuchengetedzwa kwemidziyo yehurumende.

Rinotiwo hurumende yakarasikirwa nemari yakawanda nekuda kwechitsotsi chaiitwa nevamwe vashandi vehurumende mumapazi akasiyana siyana.

Gwaro iri rinotiwo motokari dzehurumende dzaingoshandiswa zvisina mwero uye dzaimwa mafuta eputuru kana dhiziri pasingatevedzwe mutemo. Rinotiwo mari dzinopihwa vanhu kana vachifamba vari pabasa, travel and substistence allowances, dzaingopihwa zvisina tsarukano.

Humbowo huri mugwaro iri hunoratidza kuti muna 2011, mahofisi emutungamiriri wenyika akatenga midziyo inokosha mazana mashanu ezviuru zvemadhora asi akatadza kuburitsa magwaro anoratidza kwakatengwa midziyo iyi.

Panguva imwecheteyo, mahofisi emutungamiriri wehurumende akashandisa mamiriyoni gumi nemashanu emadhora asi akatadza kuburitsawo marisiti anoratidza kuti mari iyi yakashandiswei.

Mukuru wehofisi ya Comptroller and Auditor General, Amai Mildred Chiri, vanoti zvinonetsa kuti vazive kuti mari yakashandiswa zvainonzi yakashanda here kana pasina humbowo hwakaita semarisiti.

Mugwaro iri, Amai Chiri vanokurudzira mapazi ehurumende nemakambani ayo kuti atevedze mitemo iripo yekushandisa mari yehurumende kuitira kuti pave nekujeka maererano nemashandisirwo emari idzi.

Zvichakadai, mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda, vazivisa neChipiri kuti mumiriri weBitika West mudare iri, VaMunyaradzi Kereke, avo vainge vambomiswa kuve nhengo yedare iri, vadzoka zvakare kuve nhengo yedare iri.

Izvi zvinotevera mutongo wakapihwa nedare repamusoro soro wekuti kudzingwa kwavo mudare kwainge kuri kunzwe kwemitemo yedare iri.

VaKereke vakadzingwa mudare iri mukutanga kwaGumiguru mushure mekunge bato reZanu PF ranyorera kudare iri richiti vakereke vainge vasisamirire zvido zvebato iri. VaKereke vakabva vakwidza nyaya yavo kudare repamusororo.

VaKereke vakambomiswa kuve nhengo yeZanu PF mushure mekuramba kuteerera bato iro rainge rati vape mukana VaElias Musakwa kuti vamirire bato iri kuBikita West.

VaMudenda vazivisawo kuti VaKereke vave nhengo yemakomiti maviri edare iri anoti inoona nezvemari pamwe neimwe inoona nezvezvicherwa.

VaMudenda vazivisawo kuti komiti yedare ravo inoona nezvemitemo yasarudza VaJonathan Samkange kuve sachigaro wayo.
XS
SM
MD
LG