Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yakadzinga Vanhu vekuChina Vaichera Goridhe Zvisiri paMutemo


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Gurukota rinoona nezvezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, vaudza dare reseneti kuti bazi ravo rakatotandanisa vanhu veku China avo vaichera gorhidhe zviri kunze kwemutemo muna Mazowe.

VaChidhakwa vange vachipundura mibvunzo kubva kunhengo dzedare iri idzo dzange dzichda kuziva kuti sei zvizvarwa zvemuno zvichirambidzwa kuchera munzizi asi vanhu vekuChina vachibvumidzwa.

Vachidhakwa vati imhosva kuchera munzizi uye vese vanoda kutanga mabhizimisi munyaika vanofanira kutevedza mutemo yemunyika zvisinei kuti vanobvepi.

Panyaya yekusvibiswa kwenzizi kwaChiadzwa nemakambani ari kuchera mangoda munzvimbo iyi, VaChidhakwa vati zviri kunze kwemutemo uye makambani aya haana mvumo yekuita izvi.

Vatiwo avo vane nezvipfuyo zviri kufa mushure mekunwa mumvura yakasviba kana ine muchetura, vanofanira kuripwa nemakambani ari kusvibisa nzizi idzi.
Vanhu vekuChina vari kucherawo mangoda kwaMarange.

Mune imweo nyaya, gurukota rezvemutemo, VaEmmerson Mnangagwa, vazivisa kuti mitemo yezvekuchatisa vanhu ichashandurwa kuitira kuti madzishe akwanise kuchatisa vanhu pamwe nekunyoresa michato iyi munzvimbo dzavo.

Vati michato inodarika zvikamu zvinomwe kubva muzana haina kunyoreswa uye vanofunga kuti kushandura kwavachaita mutemo kuchaita kuti vanhu vazhinji vanyorese michato yavo.

Zvichakdai, nyaya yezvirango zvakatemerwa Zimbabwe haina kuzozeiwa muNational Assembly neChina mushure mekunge veZanu PF vati vanoda kuti izozeiwa svondo rinouya.

Vanokokera nhengo dzeMDC-T mudare iri, VaInnocent Gonese, vaudza mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, kuti nhengo dzavo dzange dzakagadzirira kuenderera mberi nekuzeya nyaya iyi asi mumwe wavo weZanu PF, VaJorum Gumbo, varamba izvi uye VaMudenda vati hapana chakashata kuti nyaya iyi izeiwe svondo rinouya.

Mune imwewo nyaya, nhengo yedare iri, Amai Priscillar Mishairawbi Mushonga, vati svondo rinouya vachapinza nyaya mudare yekuti hurumende itsvage mari yekuvandudza paramende sezvo imba yeparamende yave diki.

Vatiwo paramende inofanirawo kutora danho rekuti ipote ichiitirawo basa rayo kuguta reBulawayo.
XS
SM
MD
LG