Accessibility links

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yavhura neChina imwe nzvimbo yekunyoresa vavhoti paparamende muHarare kuitira kuti nhengo dzeparamende pamwe nevamwe vane mahofisi ari pedyo neparamende, vakwanise kunyoresa pasi pechirongwa cheBiometric Voter Registration, BVR.

Nhengo dzeparamende dzazvionera dzega pamhino sefodya kusagadzirira kwakaita ZEC pachirongwa cheBVR.

Vashandi veZEC vanga vasina kunyatsogadzirira pavatanga kunyoresa, uye vanga vachitadza kugadzirisa kuti mishina yeBVR ishande nemazvo sezvo panga pasina nyanzvi dzemishina iyi.

Vashandi ava vanga vachiti vakaita dambudziko nemishina iyi, vofonera kumahofisi kwavo kuti vabatsirwe, izvo zvaita kuti vanhu vatore nguva yakareba vari mumitsetse.

Mumiriri weGweru Rural, VaJosphat Madubeko, avo vatanga kunyoresa kuvhota, vati havana dambudziko ravasangana naro uye vatora nguva shomanana kuti vanyorese.

Seneta Keresensia Chabuka vekuManicaland ndemumwe weavo vakwanisa kunyoresa kuvhota pasina dambudziko.

Seneta Chabuka vati chinodiwa kuti munhu akasike kunyoresa kuvhota kuti munhu aende aine zvese zvinodiwa vachiti vanofara chose nemafambisirwe echirongwa ichi.

Asi vamwe vakaita saAmai Charsline Munemo vanogara kuHarare West vatora nguva yakareba sezvo nzvimbo yavanovhotera yange isiri kuonekwa mumagwaro eZEC.

Amai Munemo vatiwo kunze kwaizvozvo hapana rimwe dambudziko ravaona pakunyoresa kuvhota.

Kuvhurwa kwenzvimbo iyi kwaratidzawo kuti nhengo dzeparamende pamwe nevamwe vanoshanda mumahosifi emapazi akasiyana siyana ehurumende, havana ruzivo rwakakwana pamusoro pezvinodiwa kuti munhu anonyorese kuvhota.

Vamwe vange vasina magwaro anoratidza pavanogara uye vange vachitozonyoreswa maAffidavit kuti vakwanise kunyoresa.

Nzvimbo iyi ichange yakavhurwa kusvika musi wa5 Zvita.

Zvichakadai, mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, Amai Constance Chigwamba, vati vatori venhau vasina kunyoresa neZEC havabvumidzwe munzvimbo dziri kunyoreswa vanhu.

Amai Chigwamba varamba kutaura nevatori venhau vasina magwaro eZEC vachiti vanotaura neavo vane magwaro eZEC chete.

ZEC inoda kuti vatori venhau vanoshandira makambani emuno vabhadhare madhora gumi kozoti vanoshandira makambani ekunze vabvise makumi mashanu emadhora kuti vapihwe mvumo yekunyora zviri kuitika pachirongwa chayo chekunyoresa vavhoti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG