Accessibility links

Paramende Yoferefeta Mhirizhonga Yakaitika muDare iri neMugovera

  • Irwin Chifera

Dare reparamende ratanga kuongorora mhirizhonga yakaita mudare iri nemusi weMugovera, uye rati richazivisa zvichabuda mungororo iyi nemusi weChipiri.

Mutauriri weparamende VaLovemore Moyo vaita misangano nemunyori wedare iri VaAustin Zvoma, pamwe nevakuru vemapurisa nevasori vanoshandira paparamende, nechinangwa chekuda kuziva kuti chii chakaitika nemusi weMugovera.

VaMoyo vaitawo musangano nasachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemutemo pamwe nenyaya dzebumbiro remutemo VaDouglas Mwonzora, avo vange vakaronga musangano wemusi weMugorvera uyu.

Vanhu vaiimba dzimbo dzeZanu PF vakarova nhengo dzedare reparamende pamwe nevatori venhau pamusangano wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri reZimbabwe Human Rights Commission.

VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti komiti yavo haisi kuzoita misangano zvakare muHarare nenzvimbo dzakaita seChinhoyi neMasvingo uko kwavhiringwa misangano nevanhu vanofungidzirwa kuti ndevebato reZanu PF.

Vati komiti yavo ichatora pfungwa dzevanhu dzakabva kumisangano yakaitwa kunzvimbo dzakaita seMutare, Bulawayo, Gweru neGwanda vakati vane chidowo chekuenda kuMatatebeleland North, Mashonaland Central neMashonaland East.

Asi vati vachaita izvi chete kana Zimbabwe Republic Police ikavapa chitsidzo chekuti veruzhinji nenhengo dzeparamende vanenge vakachengetedzwa mumisangano iyi.

Vati komiti yavo yasvora kuita kwemapurisa ayo asina kusunga kana munhu mumwechete zvake pamhirizhonga yakaitika neMugovera muparamende iyi.

Vanokokera nhengo dzeMDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese vaudza Studio 7 kuti vanosvora zvikuru zvakaitwa nenhengo dzeZanu PF, zvekuzvidza dare reparamende izvi, uye vati vanotarisira kuti vakaita izvi vachatorerwa matanho akaomarara.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vanokokera nhengo dzeZanu PF mudare reparemende VaJorum Gumbo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG