Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeChibharo Yonetsa, Vechidiki Vachipindawo Munyaya Iyi


Huwandu uhu hononzi nenyanzvi huri pasi chaizvo nekuti huri kubuda muongororo yenyaya dziri kumatare uye ichibata vanhu vane makore gumi nematanhatu zvichikwira

Ongororo yakaitwa munyika mwedzi yapfuura inoratidza kuti zvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana – 16 percent – yevanhu vari kubatwa chibharo munyika vari kuwanikwa vaine utachiona hwe HIV inokonzera mukondombera.

Izvi zvaburitswa nekiriniki ye Adult Rape iri muHarare. Ongororo iyi yakaitwa nesangano re Medicins Sans Frontiers ichishanda ne University ye Zimbabwe.

Huwandu uhu hononzi nenyanzvi huri pasi chaizvo nekuti huri kubuda muongororo yenyaya dziri kumatare uye ichibata vanhu vane makore gumi nematanhatu zvichikwira.

Ongororo iyi inoburitsa kuti mumwe mukomana ane makore gumi akabata chibharo vasikana vadiki vakawanda mumwe wacho aine utachiona hwe HIV.

Va Oriando Manwere ndivo mutauriri we National Aids Council. Va Manwere vati varikurwisana nemukondombera vari kushushikana nedambudziko iri.

XS
SM
MD
LG