Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeZimbabwe Yosendekwa Parutivi kuMusangano weSADC Uchaitirwa kuNamibia


Musangano wevatungamiriri venyika dziri muSADC, uyo wanga uchitarisirwa kukurukura nyaya yeZimbabwe kuWindhoek kuNamibia nemusi weChishanu, unonzi uchaenderera mberi asi usingabati nyaya yeZimbabwe.

Izvi zvinonzi zvakonzerwa nekuti nhumwa yeSADC mugakava reZimbabwe, uye vari mutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma, havasi kukwanisa kuva pamusangano uyu.

Nyaya yeZimbabwe yava kutarisirwa kukurukurwa nezvayo musi wa 11 Chikumi kuSouth Africa. SADC yati musangano wekuWindhoek uyu uchaongorora mamiriro akaita zvinhu muMadagascar pari zvino.

Mapato ezvematongerwo enyika nemasangano akazvimirira anga akatarisira zvikuru kumusangano weSADC uyu, sezvo VaZuma vanga vachapakurira SADC yose zvakabudza kumusangano wetroika uyo unonzi wakatuka ZANU-PF pamusoro pemhirizhonga munyika uye kutadza kuzadzisa zvakawiriranwa muchibvumirano che Global Political Agreement.

Va Elton Mangoma, mumwe wevanomirira MDC yaVa Morgan Tsvangirai munhaurirano dze GPA vati havana kushamiswa nekuchinjwa kwaitwa musangano we SADC nekuti South Africa yakagara yati yaisakwanisa kupinda musangano uyu.

Va Phillip Pasirayi ve Crisis in Zimbabwe Coalition vati nyangwe zvavo vashushikana nekuchinjwa kwemazuva ekukurukura nyaya ye Zimbabwe, havaone SADC ichizoshanduka kubva kune zvakabuda kumusangano weku Livingstone kuZambia, uko vatungamiriri we SADC vakaita zvaisatarisirwa nevazhinji zvekupidigukira ZANU-PF.

VaPasirayi vati SADC inoziva kuti ZANU-PFndiyo iri kutadzisa zvinhu kuti zvifambe munyika kuburikidza nemhirizhonga nezvimwe zvakadaro.

VaWilfred Mhanda mumwe wevakarwira rusunguko rwe Zimbabwe uye vari nhengo ye bhodhi re Zimbabwe Liberators Platform.

Va Mhanda vati vanotarisira SADC kuti isimudzire pakasiyiwa ne troika ku Livingstone ku Zambia kasi vanodawo kuti Va Tsvangirai naVa Ncube nemapato avo vasaita kunga ndivo vari kupikisa Va Mugabe muhurumende kasi kuti ndivo vakakunda sarudzo dzekutonga nyika.

XS
SM
MD
LG