Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kushandisa Mitemo paMapositori


Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende inofanira kushandisa mitemo iripo kuchengetedza hupenyu hwevanhu kana pachinge paita dambudziko rakaita sere gwirikwiti, iro riri kuuraya vana

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende inofanirwa kushandisa mitemo iripo kuitira kuti ichengetedze hupenyu hwevanhu kana pachinge paita dambudziko rakaita sere gwirikwiti, iro riri kuuraya vana munzvimbo dzine vatenderi vechipositori vasingadi kubaisa vana vavo nhomba.

Mashoko aya anotevera mushure mekufa kwevana vanosvika makumi mashanu nemumwe chete nechirwere ichi.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights. Dr Gwatidzo vanoti hurumende haifaniri kutya kushandisa mutemo we Public Health Act kuchengetedza vana nevanhu munyika.

Asi gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, varamba nyaya yabuda mubepanhau reHerald yekuti hurumende iri kuronga kushandisa mutemo kuti imanikidze vanhu vasiri kubayisa vana vavo nhomba, kuita izvi, vanenge varamba vosungwa nemutemo.

XS
SM
MD
LG