Accessibility links

Breaking News

MDC Yokurudzira Kuongororwa kweMinda


VaSam Sipepa Nkomo
VaSam Sipepa Nkomo
MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai iri kukurudzira hurumende kuti iwumbe komisheni inoona nezvekugoverwa kwakaitwa minda nekukasika.

MDC inoti mapurazi mazhinji haasi kushandiswa zvine musoro zviri kuita kuti hupfumi hwenyika hurambe huchiwira pasi.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House neChina, munyori anowona nezvekurima mubato iri, Va Samuel Sipepa Nkomo, vati mapurazi mazhinji munyika haasi kushandiswa zvakakwana sezvo vachiti vakuru-vakuru muhurumende ndivo vakatora mapurazi akawanda avasiri kukwanisa kushandisa.

Va Nkomo vati hupfumi hwenyika huri kuramba huchienda kumawere nepamusana pekuti mapurazi mazhinji haasi kushandiswa zvine musoro.

Nokudaro, MDCT iri kukurudzira kuti pawumbwe komisheni nekukasika ichaongorora kugoverwa kwakaitwa mapurazi.

Kunyange hazvo vanhu vazhinji vakatora mapurazi akawanda varivo vari muhurumende, Va Nkomo vati vane chivimbo chekuti vanhu ava vachabvuma kuwumba komisheni iyi nekukasika kana vari vanhu vanoda kuti nyika ibudirire.

Vatiwo kusimbaradzwa kwenyaya dzekurima ndiko chete kunoita kuti hupfumi hwenyika husimukire uye kuti matura enyika afashushikire zvinozopa maguta kune veruzhinji.

Vashora mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, nekupamba kwavakaita mapurazi akawanda ku Mazowe mwedzi wapera pamwe negore rapera.

Mhuri yemutungamiri wenyika ndeimwe ine mapurazi mazhinji munyika kunyange hazvo Va Robert Mugabe vachigaro kurudzira kuti munhu mumwe nemumwe haafanire kutora mapurazi anodarika rimwe chete.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raAmai Grace Mugabe pamashoko aVaNkomo.

Kurudziro ye MDC-T iyi inouya apo dare repamusoro rakati vasiri kushandisa mapurazi avakatora pasi pechirongwa chekugovera ivhu patsva vanogona kutorerwa mapurazi aya nehurumende.

Va Nkomo vatiwo bato ravo harisi kufara nekugoverwa kuri kuitwa chikafu munzvimbo dzakawanda munyika pachishandiswa nyaya dzezvematongerwo enyika. Vapomera varimisi pamwe nemadzishe mhosva yekushanda pamwe chete ne ZANU PF kunyima vatsigiri ve MDCT chikafu pamwe nezvinoshandiswa mukurima.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, kuti tinzwe divi rebato ravo.

Zvichakadai, Va Nkomo vakurudzira hurumende kuti ikoshese zvirongwa zvekudiridzira mbesa vachiti hurumende haina zvairi kuita kunyangwe hazvo mvura yakanaya yakawanda gore rino.

Vati mvura yemudenga inofanirwa kubatwa kubudikidza nekucherwa kwemadhamu zvinozoita kuti vechidiki pamwe nemadzimai vakwise kuita zvirongwa zvekudiridzira mbeu dzavo kuitira kuti vagowana cheuviri.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekurima, Va Joseph Made, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
XS
SM
MD
LG