Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeKimberly Process Inoti Zimbabwe Yava Kutevedza Zvayakakomekedza


Kimberly Process yainga yakambomisa Zimbabwe kutengesa mangoda ekwa Marange ichiti itange yagadzirisa zvinhu zvakawanda zvaiva zvisina kumira zvakanaka

Nhumwa yeKimberley Process, Va Abbey Chikane, vanoti Zimbabwe iri kuratidza kuti yava kutevedzera zvinodiwa ne Kimberley Process Ceritification Scheme, uye inogona kupihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo kana ikaramba ichiremekedza mirawo inobata mangoda.

Kimberly Process yakamisa Zimbabwe kutengesa mangoda ekwa Marange ichiti itange yagadzirisa zvinhu zvakawanda zvaiva zvisina kumira zvakanaka.

Gurukota remighodhi, Va Obert Mpofu, vati vafara zvikuru nemashoko aVa Chikane ekuti Zimbabwe inogona kupihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo ekwaMarange.

Asi Va Mpofu varamba mashoko ekuti vairambidza komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa kuenda kunozviwonera zviri kuitika kwa Marange. Vatizve vacharamba vachirambidza kuti mangoda emimwe migoghi mu Zimbabwe asatengeswa kusvika mangoda ese emunyika ava nemvumo yekutengeswa pasi rose.

Va Moses Mare inhengo yekomiti yedare reparamende inowona nezve zvicherwa. VaMari vanoti vaita musangano wakanaka chose naVa Chikane vachikurukura pamusoro pezviri kuitika kwaMarange kusanganisira nyaya yemasoja ari munzvimbo iyi.

XS
SM
MD
LG