Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dzodzokera Zvakare kuZimbabwe


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vanova mutongigava munyaya yeZimbabwe, dziri kudzokera kuHarare zvekare neChipiri nechinangwa chekunogadzirisa gakava riripo pagwaro rebumbiro remitemo.

VaZuma nechikwata chavo vakanga vari munyika masvondo maviri apfuura vachinzwa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzva.

Asi gakava pakati pemapato maviri eMDC neZanu PF riri kuramba kupera zvichitevera danho rakatorwa neZanu PF rekuwedzera zvido zvaro pagwaro rebumbiro, pamwe nekubvisa zvimwe zvinhu zvarinoti hazvifarirwe nevatsigiri varo.

Vanomirira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai munhaurirano, VaElton Mangoma, vanoti ichokwadi kuti vachasangana nenhumwa dzava Zuma neChipiri.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa neZanu PF rekuwedzera zvimwe zvinhu mugwaro rakanga rawiriranwa kare nemapato ose ari matatu.

Nyanzvi mune zvematongero enyika inodzidzisa ku University of Huddersfield kuBritain, VaNkululeko Sibanda, vanoti mapato ari muhurumende anofanirwa kuronga zvinhu sevanhu vakuru kwete zvekuswero ita zvekutamba sepwere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG