Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVa Zuma Dzinopinda Munyika Kuzozeya Zviri Kunetsa


Chikwata chemutungamiri weSouth, Africa VaJacob Zuma, vanova mutongi gava pagakava remuZimbabwe, chapinda muHarare neMuvhuro chikaita misangano nemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Chikwata ichi chakurukura zviri kunetsa muchibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa, Global Political Agreement.

Zvinonzi nhumwa dzaVaZuma dzasangana nevari kumirira Zanu PF nezvikwata zviviri zveMDC munhaurirano vakatarisa zvakabuda kumusangano weSADC kuAngola svondo rapfura.

Vane ruzivo nezvakurukurwa vanoti chikwata chaVaZuma chavimbisa kuti SADC ichatumira nhumwa nhatu dzinobva kunyika dziri muSADC Troika dzinoti South Africa, Zambia, neTanzania musvondo rinotevera kuti dzizoshanda neJomic sezvakawiriranwa kumusangano weSADC wakaitirwa muSandton kuSouth Africa.

Musangano uyu unonzi wabvumirana zvekare kuti hurumende inofanirwa kuumba chikwata chichaona kuzadzikisva kwezvinhu zviri kunetsa, uye chikwata chichaumbwa chinenge chiine nhengo dzehurumende pamwe nenhengo dzekuSouth Africa.

Vanga vakamirira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai mumusangano uyi munyori mukuru webato, uye vari gurukota rezvemari, VaTendai Biti pamwe nemunyori anoona nezvekudyidzana kwebato, uye vari gurukora rinoshanda muhofisi yemutungamiri wenyika, VaJameson Timba.

MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube yanga yakamirirwa negurukota rezvekupodzwa kwemaronda nekugarisana kwakanaka, uye vari mutevedzeri wemunyori mukuru mubato iri, Va Moses Mzila Ndlovu pamwe nemunyori mukuru webato, uye vari gurukota rezvemushandira pamwe kwematunhu, Amai Priscilar Misihairambwi-Mushonga.

Zanu PF yanga yakamirirwa nemunyori wezvemitemo mubato, uye vari gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Emmerson Mnangagwa, pamwe negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaNicholas Goche.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuvanhu vapinda mumusangano uyu.

Nhumwa mbiri dzaVaZuma dzinoti VaMarc Maharaj naVaCharles Ngqakula, dzasangana zvakare nemapato asiri muhurumende anosanganisira Zapu, Mavambo/Kusile, Zanu Ndonga neMDC99.

Nyanzvi inoongorora zvematongero enyika yakazvimirira yoga, VaBriggs Bomba, vanoti ruzhinzhi rweZimbabwe rwaneta nemakakatanwa aripo pakati peZanu PF neMDC.

XS
SM
MD
LG