Accessibility links

Breaking News

Nhepfenyuro yeBBC Inotanga Kutepfenyura muZimbabwe,


Nhepfenyuro yeBBC yatanga neChitatu kutepfenyura iri muZimbabwe, zvichitevera kupihwa kwayakaitwa mvuno negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu.

BBC 5 Live yatanga kutepfenyura na 12 dzemasikati muZimbabwe, uye ari kupakura chirongwa ichi ndi Victoria Derbyshire.

Zimbabwe yagara kwenguva yakareba ichirambidza nhepfenyuro dzekunze kushandira munyika. Pari zvino hurumende iri kunetsana neBotswana pamusoro peStudio7, iyo inoti iri kushandisa masaisai anobva muBotswana.

Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko, uye vari Director veMisa-Zimbabwe, VaTakura Zhangazha, vanoti kune vamwe vari muZanu PF vasiri kufara nenhepfenyuro dzakaita seStudio7, sezvo nhepfenyuro idzi dzichitaura chokwadi chiri kuitika munyika.

VaZhangazha vanoti havaoni kutadza kunonzi kuri kuitwa nenhepfenyuro dziri kunzi dziri kukonzera kusagadzikana kwevanhu munyika.

XS
SM
MD
LG