Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA neMOZA Dzinofora muBulawayo


Abalandeli be Women of Zimbabwe Arise (WOZA) benza abakujayeleyo ezitaladini zeBulawayo.

Nhengo dzeWOZA neMOZA dzinosvika chiuru chimwe chete dzafora neMuvhuro muguta reBulawayo dzichipa vanhu gwaro rine zvinhu zviri kudiwa neveruzhinji kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Mutungamiri weWOZA, Amai Jenni Williams, vanoti gwaro ravari kupa vanhu rinonzi “The Rising of The Women - Means The Rising of The Nations - No More Poverty And Starvation” raendeswawo kumahofisi ekomiti yeparamende iri kuona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac muHarare.

Amai Williams vanoti gwaro iri rine pfungwa dzevanhu vasina kukwanisa kupa pfungwa dzavo muchirongwa cheCopac. Asi Amai Williams, sezvave kugara zvakaitika mazuva ose pavanoratidzira, vambochengetedzwa nemapurisa vakazoregedzwa.

Imwe nhengo yeWOZA, Muzvare Clara Majengwa, vanoti vaona zvakakosha kuti vaite gwaro rekuendesa kuCopac nekuti vanhu vakawanda vakatadza kupa pfungwa dzavo sezvo vaityisidzirwa.

XS
SM
MD
LG