Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzinoshora Kupondwa kwaVaMagura


Zimbabwe's Finance Minster Tendai Biti addresses parliament during his presentation of the mid term fiscal policy statement in Harare (File Photo)
Zimbabwe's Finance Minster Tendai Biti addresses parliament during his presentation of the mid term fiscal policy statement in Harare (File Photo)

Nhengo dzedare reparamende kubva kumapato ese ari muhurumende dzashora zvakadzama mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika kuMudzi North svondo rapfura pakafa nhengo yeMDC-T, VaCephas Magura. Nhengo idzi dzatiwo nhengo dzedare iri dziri kupomerwa mhosva iyi dzinofanira kudzingwa mupararamende.


Nhengo dzeparamende kubva kuZanu PF dzinoti VaNewton Kachepa vanomirira Mudzi North, naAmai Aquillina Katsande, vanomirira Mudzi West vanonzi vane chekuita nekufa kwaVaMagura. Vamwe vavo muparamende vati vaviri ava vanofanira kumbomiswa kupinda muparamende kudzamara vachenurwa panyaya yavari kupomerwa.


Mumiriri weGlen View North mudare reparamende, VaFani Munengami veMDC-T, vati zvinorwadza kuti pane dzimwe nhengo dzedare iri dziri kuita basa rekuponda pamwe nekutadzisa vanhu kugara zvakanaka.


Mumiriri weMuzarabani South, vaEdward Raradza veZanu PF, vati zviri pachena kuti hutungamiriri hwenyika ino hauchaidi zvemhirizhonga uye nyaya yemhirizhonga inofanira kuongororwa zvakadzama vese vane chekuita nayo vokandwa mujeri.


Kunyange nhengo dzeparamende dzechikadzi dzaratidzawo kushushikana zvikuru sei nenyaya yekuti pane mudzimai ari kupomerwa mhosva panyaya yemhirizhonga yekuMudzi.


Mumiriri weGoromonzi West, zvakare variwo sachigaro wemadzimai ari muparamende, Amai Beatrice Nyamupinga, vashora zvakaitika kuMudzi vakati mapurisa anofanira kusunga vese vari munyaya iyi zvisinei kuti madzimai here kana kuti kwete.


VaMagura, avo vakaradzikwa nemusi wesvondo, vakafa mushure mekutemwa nematombo nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF. Kusvika pari zvino pane vanhu vane chitsama vanosanganisira mumwe kanzura weZanu PF kuMudzi, VaDavid Chimukoko, vakatosungwa nenyaya iyi.


Zvichakadai, mumiriri weGoromonzi North, VaPaddington Zhanda veZanu PF, vazivisa kuti vachatura neChitatu mudare chikumbiro chekuti dare reparamende riongorore huwori hunotyisa uho vanoti hwakatika kana kuti huri kuitika mubhanga guru munyika reReserve Bank of Zimbabwe.


Vati bhanga iri rinogona kunge rakaondongwa nehuwori uhwo hwakaitika nyika yakatarisa. Vatiwo vanoda kuti paramende iumbe komiti ichaongorora huwori uhu. Vamwe vakuru vakuru vaimboshanda, kana vachiri kushanda mubhanga iri vave nehupfumi hunotyisa, asi veruzhinji vachiyaura nenhamo.

XS
SM
MD
LG