Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMthwakazi Liberation Front dzosungwa nhasi muguta reBulawayo.


Kushungurudzwa nekusungwa kwevanhu munyika kuri kuendera mberi. Nhengo dzeMthwakazi Liberation Front ina dzasungwa nhasi muguta reBulawayo.

Nhengo idzi dzinosanganisira vakangambove mutungamiri weZAPU, VaPaul Siwela, munyori veMthakazi VaJoel Gazi, amai Ntombizodwa Moyo na amai Nonsikelelo Ncube. Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende nechisimba.

Kusungwa kwava siwela kunotevera kusungwa kwemutungamiri we international socialist organization, va munyaradzi gwisai, nevamwe vavo makumi mana nevana, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende. Vagwisai nevamwe vavo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro negweta renhengo dzeMthwakazi Liberators Front, VaMatshobane Ncube, kuti tinzwe zvizere pamusoro penyaya iyi.

XS
SM
MD
LG