Accessibility links

Breaking News

Nhengo dze MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai makumi matatu dzakange dzisingazivikanwe kuti dziri nezuro, dzazowanikwa kumapurisa


Nhengo dze MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai makumi matatu dzakange dzisingazivikanwe kuti dziri nezuro, dzazowanikwa dziri pa Saucetown Police Station.

Vechidiki ava vakatorwa nemapurisa nechisimba nezuro mangwanani kutrenance nerichmond mubulawayo. MDC inoti yakaenda kumakamba ose nezuro, asi vachiudzwa kuti vakange vasiri mumakamba aya.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nevatauriri ve MDC, sezvo vanga vari muparamende vachivhotera mutauriri mutsva.

Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPromise Mkhwananzi, kuti tinzwe maonero avo.

Tichiri panyaya iyi, mutyairi wemutevedzeri wemutungamiri we mdc, vebato re mdc, muzvare thokozani khupe, vawitness dube, avo vakasungirwa kunyora zvinonyadzisira papetisheni ye zanu-pf, vabhadhariswa nhasi madhora makumi mashanu semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mune imwewo nyaya, mapurisa anonzi ari kutsvaga mukuru we zimbabwe human rights ngo forum, va abel chikomo. Mapurisa matatu abva kuharare central station anonzi asvika pamahofisi esangano iri muharare, achitsvaga vachikomo, asi audzwa kuti vange vasiri muhofisi.

Mapurisa aya anonzi ambomira pamahofisi aya kwemaminetsi makumi matatu, ndokubva azodzokera. Zimbabwe human rights ngo forum inoti vaChikomo vachaenda kuHarare Central police mangwana kuti vanonzwa kuti mapurisa anga achideyi.

XS
SM
MD
LG