Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeKimberly Process Hadzisi Kuwirirana paNyaya yeZimbabwe


Masangano akazvimirira ega nenyika dzekumawirira ndivo vari kuti Zimbabwe dai yambomiswa kuva nhengo ye Kimberly.

Musangano we Kimberly Process waenderera mberi mu Tel Aviv ku Israel. Musangano uyu waswera zuva rese uchizeya nyaya yekuti Zimbabwe yobvumidzwa here kutengesa mangoda ayo kana kuti kwete.

Vari kupinda mumusangano uyu vaudza Studio7 kuti nhengo dze Kimberly Process dziri kutadza kuwirirana, nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzichiti Zimbabwe ngaibvumidzwe kutengesa mangoda ayo, nekuti anokwanisa kubatsira kumutsa hupfumi hwenyika.

Masangano akazvimirira ega nenyika dzekumawirira ndivo vari kutiwo Zimbabwe dai yambomiswa kuva nhengo ye Kimberly Process uye kuti isabvumidzwa kutengesa mangoda ekwa Marange kudzamara zvinhu zvagadziriswa. Nyaya iyi ichaenderera mberi neChitatu kumusangano uyu.

Va Dewa Mavhinga ndivo Regional Coordinator we Crisis in Zimbabwe Coalition uye vari nyanzvi mukuongorora nyaya dzemangoda. Va Mavhinga vanoti chinhu chinofanirwa kutarisiswa neKP, inyaya yekodzero dzevanhu vekwaMarange, uye zviri kuitika kuna Va Farai Maguwu, mutungamiri weCentre for Research And Development, avo vakavharirwa mutirongo mushure mekusungirwa nyaya yekuburitsa zvinonzi nehurumende manyepo pane zviri kuitika pamangoda ekwaMarange.

XS
SM
MD
LG