Accessibility links

Vanhu vekwaNhema Voshushikana neKushaya Motokari Dzinotakura Varwere


Motikari inotakura varwere

Vamwe vagari vari kumaruwa eShurugwi kwaNhema vanoti kushaikwa kwemotokari dzinotakura varwere kana kuti maambulance kuri kuisa hutano hwavo panjodzi.

Vagari ava vanoti zvipatara zviviri zviri pedyo navo zvakaita seZvamabande neTongogara hazvina motokari dzinotakura varwere.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaTatenda Mhindu vakaudza Studio 7 kuti kushaikwa kwemotokari dzinotakura varwere pedyo navo zvave kukonzera kuti vagari vazvitsvakire vega motokari pakaita hurwere asi vakati vamwe vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwekunonoka kwerubatsiro.

Izvi zvakatsigirwawo naAmai Laiza Chivi avo vatiwo shuviro yavo ndeyekuti vawanirwe motokari dzinotakura varwere pedyo navo kuitira kuti vachengetedze hutano hwavo.

Mumwewo mugari VaSamson Chabata vatiwo kusagadzirwa kwemugwagwa unobva panzvimbo yeChachacha kuenda kwaNhema kunowedzerawo kutambudzika kwavo kana vasangana neurwere. VaChabata vati mugwagwa uyu wakashata zvikuru huye une huruva yakanyanya.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kuti kune zvirongwa here zvekuti makirinika ekumaruwa awane zvinhu zvakadai semotokari dzinotakura varwere asi hurumende iri kutatarika zvikuru sezvo isina mari. Mari yakawanda munyaya dzezvehutano inotobva kumasangano akazvimirira nenyika dzakabudirira dzakaita seAmerica, Britain neJapan.

Zvipatara zvakawanda munyika hazvina kana mishonga zvopa kuti vanhu varasikirwe nehupenyu nezvimwe zvirwere zvinokwanisa kurapika. Vanamukoti munyika vari kurongawo kuramwa mabasa zvinoita kuti zviomere varwere vakawanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG