Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano Dzinotadza Kubudirira Musangano weSADC Usati Watanga


Vamiriri ava vaisangana nenhumwa dzemutungamiri we South Africa, Va Jacob Zuma, kuti vanyore gwaro richazondopihwa vatungamiri ve SADC kumusangano we SADC wepagore uri kuitirwa mu Luanda, kuAngola

Vari kumirira mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa munhaurirano vakatadza kuwirirana kumusangano wakaitirwa mu Johannesburg ku South Africa mukupera kwesvondo.

Vamiriri ava vaisangana nenhumwa dzemutungamiri we South Africa, Va Jacob Zuma, kuti vanyore gwaro richazondopihwa vatungamiri ve SADC kumusangano we SADC wepagore uri kuitirwa mu Luanda, kuAngola.

Musangano wevatungamiri ve SADC uri kutanga neChitatu. Nyaya yeZimbabwe iri kukurukurwa pamusangano uyu.

Vari kumirira ZANU-PF nemapato maviri eMDC vakatadza kuwirirana pamusoro penyaya yekuvandudzwa kweZimbabwe Electoral Commission, kuvandudzwa kwemapazi emapurisa, mauto nemajeri nezvimwe zvinogona kubatsira kuti nyika ive nesarudzo dzakachena.

Chipangamazano chaVa Zuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vati vachanoudza Va Zuma zvakaitika kumusangano uyu.

Va Elton Mangoma mumwe wevari kumirira MDC-T munhaurirano idzi. Va Mangoma vanoti kusawirirana kwemapato aya kwakutoda kuti Va Zuma pachezvavo, kwete nhumwa dzavo, vambopindira munyaya yacho.

Mutauriri we ZANU-PF, Va Rugare Gumbo, vanoti zviri kutaurwa nemapato eMDC hazvina maturo ose.

Nhengo yemasangano akazvimirira ega, ayo dzakadzingwa ku Angola kuri kuitirwa musangano we SADC, Va Bob Liberty Muchabaiwa, vanoti itarisiro yavo yekuti SADC icharamba yakasunga kuti Va Mugabe nevamwe vavo vatevedzere zvavakanyorerana muchibvumirano neMDC kuti nyika ifambire mberi.

XS
SM
MD
LG