Accessibility links

Breaking News

Nguva Yoperera Zvizvarwa zveZimbabwe Zvisati Zvanyoresa muSouth Africa


Zviuru nezvuuru zvevanhu vekuZimbabwe vari kugara muSouth Africa zvisiri pamutemo, vamukira kumahofisi anoona nezvemukati menyika iyi vachida kunonyorera kuti vapihwe mvumo yekugara munyika iyi zviri pamutemo.

Mitsetse yange yakareba zvinotyisa kumahofisi ebaziiri sezvo chirongwa chekupa mukana wekugara munyika iyi zviri pamutemo kuzvizvarwa zveZimbabwe, chiri kupera neChishanu.

Kuwandisa kwanga kwakaita vanhu kwapa kuti hurumende yeSouth Africa iwedzere vashandi kumahofisi ayo.

Zvinonzi vanhu vese vange vari mumitsetse muzvimbo dzakasiyana siyana idzi vabatsirwa panguva yekuvarwa kwema hofisi aya.

South Africa ine chirongwa chinonzi Zimbabwe Dispensation kana kuti Documentation Program, icho chine chinangwa chekuwanisa zvizvarwa zveZimbabwe mukana wekugara nekushanda munyika iyi zviri pamutemo. Chirongwa ichi chinopera neChishanu. Vanenge vapihwa mvumo yekugara muSouth Africa, vachagara munyika iyi kwemakore mana.

XS
SM
MD
LG