Accessibility links

Breaking News

Kudzvanyirira Vanhukadzi Ngakupere muAfrica, Vanodaro Vechidiki.


Vechidiki vanobva kunyika dzakasiyana siyana vari muAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship vataura pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana kweAmerica neAfrica.

Vechidiki ava vanoti vafara zvikuru kupinda mudare reCongress uye kutaura pamberi pevanhu vakawanda vanosanganisira nhengo dzedare iri vachikurukura nezvehutongi hwejekerere munyika dzemuAfrica.

Vechidiki ava vari kuita zvidzidzo zvavo paHoward University uye vashanu vavo ndivo vataura pamberi peguungano iri ranga richitungamirwa nenhengo yekomiti yeCongress inoona nezvekudyidzana kweAmerica neAfrica, Amai Karen Bass.

Mumwe wevashanu ava, Hlanganani Gumbi, uyo anova nhengo yebato reDemocratic Alliance kuSouth Africa, ati zvakakosha zvikuru kuti vatungamiri veAfrica vatevedzere hutongi hwakajeka kuitira kuti nyika dzavo dzibudirire.

Vatiwo vechidiki vanofanira kupindira zvizere munyaya dzekugadzirisa remangwana ravo uye kana vasingabvumirani nezviri kuitwa nevamiriri vavo, vanofanirwa kutaura.

Mashoko aya atsinhirwa naMuzvare Mary Ashinyo wekuGhana avo vanoshanda mune zvehutanu kunyika kwavo.

Muzvare Ashinyo vati zvakakosha kuti vanhukadzi vapihwe vo mukana wekutora zvisungo zvekuronga remangwana renyika dzavo vachiti zvinorwadza kuti vanhukadzi vachiri kudzvanyirirwa munyika dzakawanda muAfrica.

Mumwe wataura pagungano iri ndiMuzvare Pamela Kanora weku Tanzania avo vati kuti Africa ibudirire, vatungamiri havafaniri kurambira pazvigaro.

Vatiwo vechidiki vanofanirwa kuramba kushandiswa kuita mhirizhonga munguva yesarudzo.

Vataurawo pamusangano uyu, VaEric Besong vekuCameroon, naVaKennedy Mwika vekuKenya, vakurudzira mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, kuti pavachashanyira Kenya neEthiopia mwedzi uno, vanofanirwa kutaura zvikuru nenyaya yehutongi hwejekerere nekodzero dzevanhu.

Amai Bass vati vafara zvikuru kusangana nevechidiki ava uye kunzwa kwavari, vachiti vanofanirwa kuramba vachirwira kodzero dzevechidiki uye kusimudzirwa kweAfrica.

Vechidiki vari pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship vanosvika mazana mashanu, kusanganisira makumi matatu vanobva kuZimbabwe.

Vakawanda vavo vari muzvikoro zvepamusoro soro muno muAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG