Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Mushonga Mutsva Unodzivirira Manyoka


Zvichitevera mashoko ekuti Zimbabwe ichange yoshandisa mushonga mutsva we Rota Virus Vaccine mukudzivirira dambudziko remanyoka muvana vari pasi pemakore mashanu, nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti iri idanho rakanaka zvikuru.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti danho ratorwa nehurumende rekushandisa Rota Virus Vaccine rakakosha zvikuru.

VaRusike vanoti mishonga yekudzivirira zvirwere yakakosha zvikuru mukuderedza kufa kwevana vari pasi pemakore mashanu.

Sangano reUnited Nations Children’s Fund, Unicef, rinoti vana zana vanofa zuva rega rega muZimbabwe nekuda kwezvirwere zvakasiyana siyana, zvinosanganisira manyoka, izvo zvinokwanisa kudzivirirwa nekubaya vana ava majekiseni.

Zvinonzi vana vanosvika zviuru gumi nezvina muZimbabwe vanofa gore rega rega nekuda kwezvirwere zvemudumbu.

Zvirwere zvemudumbu izvi zvinokonzerwa nehutachiona hwe rota virus.
VaRusike vanoti kuuya kwe Rota Virus Vaccine itsva kuchabatsira zvekare Zimbabwe kuti ikwanise kuzadzisa zviga zvayo zve 2015 Millenium Development Goals.

VaRusike vanoti Zimbabwe ikakwanisa kushanda nesimba, kufa kwevana kunogona kudzikira zvikuru.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Medical Doctor’s Association, Dr Douglas Gwatidzo, vanowiriranawo naVaRusike kuti danho ratorwa nehurumende rakakosha zvikuru.

Asi VaGwatidzo vanoti mushonga wekubaya uyu unodhura zvikuru zvekuti Zimbabwe inofanirwa kuona kuti yawana mari yakawanda zvikuru yekuti mishonga iyi igare iripo. VaGwatidzo vanoti zvinhu zvingazoshoresa kuti mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi, mishonga yozoshayikwa munyika.

Pari zvino reRota Virus Vaccine iri kuwanikwa muZimbabwe uye vane mari vanokwanisa kuitenga vega.

Chirongwa chehurumende chakanangana nekuti mwana wose munyika awane mishonga iyi zvisinei kuti vabereki vake vane mari here kana kuti kwete.

Gore rapera Zimbabwe, ichibatsirwa ne Unicef ne Global Vaccines International, yakakwanisa zvekare kuparura mumwe mushonga wekudzivirira chirwere che pneumonia, icho chinourayawo vana vakawanda munyika.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG