Accessibility links

Breaking News

Mapato Ozeya Gwaro reBumbiro Idzva Muparamende neChitatu


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Mudare reparamende yepasi, House of Assembly, mamboitika mutauro apo mapato eZanu PF neMDC ambonetsana panzira inofanirwa kutorwa mukuzeya gwaro rebumbiro idzva kuitira kuti ritambirwe semutemo mutsva.

Izvi zvinotevera kuturwa kwaitwa gwaro iri muparamende, negurukota rinoona nezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga.

Mushure mekuverengwa kwebhiri iri kekutanga kuti rive mutemo, VaMatinenga vabva vazivisa dare iri neChipiri kuti bhiri richaverengwa kechipiri neChitatu apo nhengo dzedare iri dzichatanga kurizeya zviri pamutemo.

Asi izvi hazvina kufadza dzimwe nhengo dzedare iri zvikuru sei kubva kuZanu PF. Pambotora nguva yakareba VaMatinenga, nedzimwe nhengo dzebato ravo dzinosanganisira gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachitaurirana negurukota rezvemutemo, VaPatrick Chinamasa neZanu PF naAmai Priscilla Misihairambwi Mushonga veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

Zvange zvichiratidza sekuti nhengo dzeZanu PF dzange dziri kuda kutanga kuzeya bhiri iri parangoturwa mudare.

Mushure memaminitsi anodarika makumi maviri, mutauriri wedare iri, VaLovemore Moyo, vabva vaudza VaMatinenga kuti vaturire kudare zvange zvabuda munhaurirano dzavo dzeMuvhuro.

VaMatinenga vati hapana chakaipa pane zvavange vatara sezvo zviri izvo zvavakabvumirana mumusangano wemanagement committee wakaitwa neMuvhuro.

Vatiwo vange vasina kugadzirira kuti bhiri iri rizeyiwe uye vatobuda mumusangano wemakurukota ehurumende usati wapera kuti vagadzirire mashoko avachatura pachaverengwa bhiri iri kechipiri neChitatu

Vati mutauro wamboitika muparamende wakonzerwa nevamwe vange vachida kushandura chibvumirano chakaitwa.

Asi VaEdaward Mkhosi veMDC-N, vanoti vange vakatarisira kuti bhiri rebumbiro reziyiwe neChipiri asi vati vazobvuma kuti kuzeyiwa kwebhiri iri kuchitanga mangwana.

VaMkhosi vati bhiri rinotarisirwa kupasa pasina zvipingaidzo sezvo mapato ese ari muhurumende akatsigira gwaro rebumbiro iri pareferendamu.

Dare reparamende yepasi rikapasisa bhiri iri, rinobva raendeswa kuseneti.

Rikatambirwa neseneti, richazoendeswa kunosainwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti rive mutemo wenyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG