Accessibility links

Breaking News

Nestle Yovhurazve Kambani Yayo Munyika.


Nestle yainge yambovhara kambani ichiti vashandi vayo vainge voshungurudzwa nemakurukota ehurumende eZanu-PF.

Nestle-Zimbabwe iyo yainge yambovhara kambani yayo munyika mushure mekurimirana kumuganhu nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe yatanga basa.

Mutauriri weNestle Amai Brindah Chiniah vaudza Studio 7 kuti hurumende yatenda kuti vashandi vayo havasi kuzoshungurudzwa. Asi vati havasi kuzotenga mukaka kubva kuGushungo Dairy Estate.

Vashandi vekambani iyi vainge vooneswa ndondo nemakurukota eZanu-PF nemapurisa mushure mekuramba kutenga mukaka kupurazi raAmai Mugabe.

Izvi zvakatevera kugununu’na kwemasangano anorwira kodzero dzevanhu aiti Nestle haifanire kudyidzana naAmai Mugabe sezvo maoko avo akasviba zvichitevera kutora kwavo purazi iri nechisimba uye VaMugabe vacho vari kupomerwawo mhosva yekutonga nedemo.

VaSupa Mandiwanzira ndivo mutungamiri wesangano reAffirmative Action Group. VaMandiwanzira vanoti Nestle iri kuda kutemera makambani evatema zvirango zvehupfumi uye izvi hazvifanire kuitwa.

XS
SM
MD
LG