Accessibility links

Breaking News

Hurongwa hweKubayisa Vana Nhomba Hwasvika kuMagumo


Hurongwa hwekubayisa vana nhomba senzira yekudzivirira chirwere chegwirikwiti hwapera neChitau mushure mekunge chirongwa ichi chaitwa kwemazuva gumi. Chirongwa ichi chiri kufanirwa kunge chabayisa vana vanodarika mamiriyoni mashanu.

Hurumende yakaparura chirongwa ichi svondo rapera. NeChipiri, gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vakati vari kufadzwa nechirongwa ichi, kunyange hazvo mudzimwe nzvimbo, makaita vanhu vakanga vasingadi kubayisa vana vavo.

VaBlessing Chebundo inhengo yekomiti yezvehutano, uye vanga vachipinda munzvimbo dzanga dzichibayiswa vana nhomba muBulawayo.

VaChebundo vati, semaonero avo, chirongwa chekubayisa vana nhomba chabudirira zvikuru.

XS
SM
MD
LG