Accessibility links

Breaking News

NAC Inoti Vanhu Vanodarika Mazana Matatu eZviuru Vari Kupihwa maARVs


Sangano reNational AIDS Council, NAC, rinoti Zimbabwe yasvika pachidimbu chevanhu vainofanirwa kunge ichiwanisa pachena mishonga yema Anti Retroviral Drugs, kana kuti ARVs.

NAC inoti Zimbabwe ine chinangwa chekuti inge ichipa mishonga iyi kuvanhu vanosvika mazana manomwe ezviuru, kana kuti 700,000.

Pari zvino Zimbabwe iri kupa mishonga iyi kuvanhu mazana matatu nemakumi mashanu ezviuru, kana kuti 350,000.

Mishonga yema ARVs inoderedza hukasha hwechirwere cheshuramatongo.

Mukuru weNAC anoona nezvemabasa, Va Raymond Yekeye, vanoti NAC iri kushanda zvakasimba ichibatsirwa nemamwe masangano kuti iwedzere huwandu hwevanhu vari kurarama nehutachiwona vari kupihwa ma ARVs kuti husvike pazvikamu makumi masere kubva muzana panosvika gore ra 2015.

VaYekeye vanoti hazvisi nyore kubatsira munhu wose, asi vachange vachikurudzira vashandi vehutano kuti vabatsire vanorarama nehutachiwona munzvimbo dziri kure nemadhorobha.

XS
SM
MD
LG