Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanosungwa Ndokuzoregedzwa


Va Douglas Mwonzora (S. Mhofu)

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti VaMwonzora vasungwa pamusuwo weHigh Court mushure mekunge vaudza vanochengetedza dare iri kuti vange vari kudzikisira VaTsvangirai sezvo ari munhu anozivikanwa uye aimbove mutungamiriri wehurumende.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police asunga munyori mukuru we MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, padare redzimhosva repamusoro, mushure mekunge VaMwonzora vaudza vanochengetedza dare iri kuti vange vari kudzikisira VaTsvangirai nekuti vaburitse chitupa chavo vasati vapinda mudare iri.

VaMwonzora vange vachiperekedza VaTsvangirai kudare iri uko vange vachida kunonzwa nyaya yavakakwirirwa kumatare naColonel Christopher Mayoyo avo vanoti zita ravo rakasvibiswa naVaTsvangirai pamusoro pemhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika kuMasvingo muna 2008.

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti VaMwonzora vasungwa pamusuwo weHigh Court mushure mekunge vaudza vanochengetedza dare iri kuti vange vari kudzikisira VaTsvangirai sezvo ari munhu anozivikanwa uye aimbove mutungamiriri wehurumende.

VaGutu vanoti ivo semaonero avo hapana nyaya uye kusungwa kwavo kwanakangana nekuvashungurudza chete. VaMwonzora vazoregedzwa vachienda kumba mukuvira kwezuva.

Asi zvinonzi vanzi vazodzoka kumapurisa zvakare.

VaMwonzora vari kumiririrwa naAdvocate Eric Matinenga avo tisina kukwanisa kubata.

Hatinawo kukwanisa kubata VaMwonzora kuti tinzwe zvataurwa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati vange vachiri kutsvaga kuona kuti VaMwonzora vasungirwei.

Zvichakadai, mutongi wedare reHigh Court, Justice Amry Tsanga, vati nyaya yaVaTsvangirai naColonel Mayoyo ichanzikwa musi wa 14 Chikunguru gore rino.

Colonel Mayoyo vari kuda kuti VaTsvangirai vavabhadhare mazana mashanu ezviuru zvemadhora sezvo vachiti vakavasvibisa zita ravo nekuvadoma kuti vainge vakurudzira kufa, kupondwa nekushungurudzwa kwevanhu mumhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika kuMasvingo muna 2008.

XS
SM
MD
LG