Accessibility links

Breaking News

Mvongamupopoto Inotyisa Yoitika muMDC M


MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara inonzi yatsemuka nepakati neChishanu kwasara zuva rimwe chete kuti kuitwe musangano mukuru webato iri muHarare.

Dzimwe nhengo dzekomiti huru yebato iri yeNational Council dzabuda mumusangano wekomiti iyi dzichiti musangano unotanga neMugovera hauna kurongwa zviri pamutemo.

Nhengo idzi dzanga dzichiti munyori mukuru webato iri, VaWelshman Ncube, vakaita chikiribidi pavakaronga musangano uyu, uyo unoitwa kamwe chete mumakore mashanu.

VaNcube, avo vakadomwa nematunhu ose ebato iri kuti vakwikwidze chigaro chemutungamiri webato ravo, vari kupomerwa mhosva yekuisa vanhu muzvinzvimbo kuitira kuti vagovhoterwa.

Sachigaro webato iri, VaJoubert Mudzumwe, ndivo vanonzi vabuda nevamwe vavo mumasangano weChishanu vachitsigirwa nemukuru anoona nezvemadzimai, Amai Hilda Sibanda, pamwe nasachigaro wezvechidiki, VaCosta Chipadza.

VaMudzumwe vaudza vatori venhau kuti vacharamba vachiona VaMutambara semutungamiri webato iri.

Mutevedzeri wemunyori mukuru webato, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vanoti zviri kutaurwa naVaMudzumwe nevamwe vavo hazvina maturo.

Vanoongorora zviri kuitika mubato iri vanoti makakatanwa aripo haavashamise, sezvo zviri zvinhu zvinoitika munyaya dzezvematongerwo enyika kana pava nemusangano mukuru.

Mukuru we Crisis In Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, vanoti kusawirirana uku mubato iri kunogona kuriparadza, kana kutorisimbisa.

XS
SM
MD
LG