Accessibility links

Breaking News

VaMasaraure Vanoendeswa kuParirenyatwa Kunorapwa Vari Muhusungwa


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Mutungamiri wesangano re Amalgamated Rural Teachers Unionion of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vakaendeswa kuchipatara che Parirenyatwa neChishanu, sezvo kurwara kwavo kwasvika pakaipa.

VaMasaraure vakabviswa kuChikurubi Remand Prison, vachiendeswa kuParirenyatwa mushure mekunge vakuru vemajeri vaona kuti kurwara kwavo kwaida kuti varapwe navana chiremba.

VaMasarure vakarohwa zvakaipisisa pavakasungwa vachipomerwa mhosva yekuve nechekuita nemhirizhonga yakaitika munyika masvondo maviri apfuura.

Vasati vaendeswa mumaoko emapurisa, VaMasaraure vanonzi vakarohwa nevanhu vakavapamba pamba pavo vakazokandwa mumaoko emapurisa ayo akazoenda navo kumatare edzimhosva.

Magweta avo paakakumbira kuti vaende kunorapwa kuchipatara vari muhusungwa, muchuchisi wenyaya yavo akati vaikwanisa kurapwa vari kuChikurubi Remand Prison.

Kunyange hazvo magweta aVaMasaraure akwanisa kubvisa neMuovera mazana mashanu emadhora semari yechibatiso, VaMasaraure vanonzi vachatanga vadzoserwa kuChikurubi Remand Prison, uko kuchanogadziriswa mapepa avo ekubuda mujeri kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Magweta aVaMasaraure akakwanisa kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso apo nyaya yavo yaive mudare neChishanu.

ASi magweta aya haana kukwanisa kubhadhara mari iyi neChishanu chakare, sezvo nguva yakanga yapera.

Munyori wemagariro evanhu musangano re ARTUZ, muzvare Moreblessing Nyambara, vanoti VaMasaraure, havana kupihwa mukana wekurapwa kukuvadzwa kwavakaitwa asi vanotarisira kuti vachabatsirika kubva nezuro pavakaendeswa kuParerenyatwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG