Accessibility links

Breaking News

Ambassador Ray naVaTimba Votaura paZuva reWorld Press Freedom


Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJameson Timba, vanoti hurumende yemubatanidzwa iri kutadza munyaya dzekuona kuti munyika mave nemapepanhau, nhepfenyuro dzakawanda pamwe nekuona kuti pave nemitemo inoita kuti vatori venhau vashande vasinga shungurudzwe. Mashoko aya akataurwa neMuvhuro manheru pakucherechedzwa kweWorld Press Freedom Day.

VaTimba vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kutora matanho mukugadzirisa zvimhingamipinyi zviripo munyaya dzekutorwa pamwe nekuburitswa kwenhau.

Vachitaura pazuva iri, mumiriri weAmerican muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, vakatiwo hurumende yavo yakazvipira kushanda nemasangano anotsigira kuburitswa kwenhau dzisina kwadzakarerukira.

Ukuwo sangano reZimbabwe Media Commssion, ZMC, rinoti ratanga basa raro rekutambira magwaro evanhu vari kuda kutanga mapapenhau munyika.

Sachigaro veZMC, VaGodfrey Majonga, vanoti vanhu vashoma vauya kuzotora magwaro anoshandiswa mukunyorersa makambani nrsangano ravo. Vatiwo vatori venhau ndivo vange vakawanda vachinyoresa nesangno ravo.

VaMajonga vanoti hofisi yavo ichange yakavhurwa kusvika musi wa 4 Chikumi ichitambira magwaro emakambani ari kuda kutanga mapepanhau, pamwe nevatori venhau vanoda kushanda vari muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG