Accessibility links

Breaking News

Mutengo weMafuta eKufambisa Dzimotokari Woramba Uchikwira


Kambani yeZimbabwe Energy Regulatory Authority kana kuti ZERA, inoti kukwira kwaita mitengo yemafuta ekufambisa dzimotokari epeturu nedhiziri munyika kuri kukonzerwa nekukwira kwemutengowe wemafuta kunyika dzinocherawo mafuta acho kana kuti crude oil.

Mutengo wepeturo wakakwira kubva padhora rimwe chete nemasendi matatu nematatu kana US$1.33 kusvika padhora rimwe chete nemasendi makumi mana kana kuti US$1.40 parita.

Ukuwo dhiziri richikwira kubva padhora rimwe chete nemasendi makumi maviri nematatu kana kuti US$1.23 kusvika padhora rimwe chete nemasendi makumi maviri nematanhatu kana kuti US$1.26.

Vanotenga nekutengesa kubva kunze kwenyika vanoti izvi zvinovaisa parumananzombe nekuti mitengo yekufambisa inobva yakwira zvichipa kuti vade kuwedzera mari uko nyika isina mari.

Mukuru wesangano reCross Boarder Traders Association VaDennis Juru vati vari kunetseka zvikuru nekukwira kwemafuta ekufambisa dzimotokari, Vati zvavanotengesa zvinenge zvave kudhurawo.

Zvichakadaro, Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTAT inoti mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wakakwira nezvikamu zvinosvika 0.008% kusvika pa2,71%, kubva pa 2,68%.

Hurukuro naVaDennis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG