Accessibility links

Breaking News

Musangano weVatungamiri veChidiki muAfrica Unopera muWashington


Musangano weYoung African Leaders, uyo wakatanga muWashington DC nemusi weMuvhuro, wakapera nemusi weChina vechidiki ava vachikurudzira kuti muAfrica yose muve nehutungamiriri hwakajeka, kuitira kuti Africa yese ibudirire.

Hurumende yeAmerica yaratidza kufara kukuru ichiti vechidiki vakanga vari mumusangano wayakaronga, vamwe vavo vachava vatungamiri venyika dzemu Africa, uye vachaunza, mune remangwana, hutongi hwakajeka mudunhu rose reAfrica.

VaSydney Chisi, avo vanova mutungamiri we Youth Initiative for Democracy in Zimbabwe, ndemumwe wevechidiki vekuZimbabwe vakawana mukana wekupinda mumisangano iyi. VaChisi vanoti vakadzidza zvakawanda pamisangano iyi.

Mumwe wevechidiki vekuZimbabwe, Muzvare Cleopatra Ndlovu, avo vaimbova Executive Director veWomen in Politics Support Unit, vakatiwo vakadzidza zvakawanda pamaitirwo ezvinhu muAmerica, izvo vati zvinogona kubatsira nyika.

Vamiriri venyika dzinosvika makumi mashanu dzemu Africa vakawana mukana wekusangana nemutangamiri we America, Va Barack Obama, avo vakati vari kuodzwa moyo nemaitiro emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Musangano uyu wakarongwa nebazi rinoona nezvekunze kweAmerica, iro rinotungamirwa naAmai Hilary Rodham Clinton, mudzimai wevaimbove mutungamiri weAmerica, Va Bill Clinton.

Chinangwa chemusangano uyu chakanga chiri chekupa vechidiki vemuAfrica mukana wekuungana pamwe chete uye kukurukura matambudziko avanosangana nawo muhupenyu.

XS
SM
MD
LG