Accessibility links

Breaking News

Musangano Wemadzishe Nemasangano e HIV/Aids Wopera Mu South Africa


Musangano uyu, uyo waikokerwa ne SAFAIDS, ndewekutanga wakadai kubva zvatanga pasi rose kurwisa HIV/AIDS kuti vemasangano akazvimirira, hurumende nemadzishe agare pasi achitaura pamusoro pedambudziko re HIV/AIDS

Musangano wemazuva matatu pakati pemasangano ari kurwisa hutachiona hwe HIV/AIDS nemadzishe emudunhu re Southern Africa wapera mu South Africa nhasi paine kuwirirana kuti madzishe adzokere kumisha yavo achinosimbisa shoko rekuti hutachiwona husarambe huchipararira muvanhu.

Musangano uyu, uyo waikokerwa ne SAFAIDS, ndewekutanga wakadai kubva zvatanga pasi rose kurwisa HIV/AIDS kuti vemasangano akazvimirira, hurumende nemadzishe agare pasi achitaura pamusoro pedambudziko re HIV/AIDS.

Tsika yekugara nhaka, mhirizhonga, mishonga nezvimwe zvakadaro, zvimwe zvakakurukurwa nezvazvo pamusangano uyu.

Madzishe emuZimbabwe anga achipindawo mumusangano uyu. Ishe wekuMhondoro Ngezi, Ishe Richman Rangwani Murambwa, vanoti madzishe afara zvikuru kupihwa chiremerera

Chekuti ndivo vanogara nevanhu vaitewo zvinodiwa mumisha yavo mukurwisa HIV.

Sandra abatawo Amai Loice Chingandu vanova executive director ve SAFAIDS kuti tinzwe kuti sei masangano aya azofunga kushanda nemadzishe mukurwisa HIV/AIDS.


XS
SM
MD
LG