Accessibility links

Breaking News

Musangano weMadzimai Unopera Uchikurudzira Kuburitswa Kwakasununguka kweMashoko


Mutevedzeri wemutungamiri we Women’s Coalition, Muzvare Rutendo Hadebe, vanoti madzimai awirirana kuti hapana chinokwanisa kushandurwa mumatambudziko avo kana nhepfenyuro dzakazvimirira dzisina kuvhurwa.

Musangano mukuru wevanhukadzi wanga uchiitirwa muZimbabwe wapera neChina muHarare uchikurudzira mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri waVaTsvangirai, Va Arthur Mutambara, kuti vaite zvese zvavanogona kuita kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyika.

Mutevedzeri wemutungamiri weWomen’s Coalition, Muzvare Rutendo Hadebe, vanoti madzimai awirirana kuti hapana chinokwanisa kushandurwa mumatambudziko avanosangana nawo kana nhepfenyuro dzakazvimirira dzisina kuvhurwa munyika, uye kana mapepanhau akazvimirira asati atanga kuita basa rawo.

Vaimbova mutungamiri weIreland, Amai Mary Robinson, ndivo vange vari munyarikani pamusangano wemazuva matatu uyu.

Muzvare Hadebe vanoti zvakakosha kuti dzinhepfenyuro itsva dzitange kushanda munyika, kuitira kuti vanhukadzi vakwanise kusvitsa kuvanhu vakawanda zvirongwa zvavo zvakanangana nebudiriro.

Musangano uyu wakavhurwa naVaMugabe neChipiri, uye vamwe vakuru vakuru muhurumende, vakapinda mumusangano uyu vachinzwa matambudziko ari kusangana nevanhukadzi.

XS
SM
MD
LG