Accessibility links

Breaking News

Musangano weKimberly Process Unopera Zimbabwe Isina Mvumo Yekutengesa Mangoda


Musangano uyu waifanirwa kupera neChitatu, asi wakawedzerwa nezuva rimwe chete vachitarisira kuti pamwe Kimberly Process ingabuda nechisungo panyaya yeZimbabwe

Musangano weKimberly Process wanga uchiitirwa muTel Aviv kuIsrael wapera neChina, Zimbabwe isina kupihwa mvumo yekutengesa mangoda ayo pamisika yepasi rose sezvanga zvakurudzirwa nenhumwa ye KP ku Zimbabwe, Va Abbey Chikane.

Musangano uyu waifanirwa kupera neChitatu, asi wakawedzerwa nezuva rimwe chete vachitarisira kuti pamwe Kimberly Process ingabuda nechisungo panyaya yeZimbabwe.

Nepamusana pekuti hapana kuwirirana, zvava kureva kuti hapana chinochinja panyaya yeZimbabwe mumaziso eKimberly Process.

Mukuru we World Diamond Council, Va Eli Izhakoff, vaudza Studio7 kuti nyaya yeZimbabwe ichakurukurwa zvakare kumusangano weKP neWDC uchaitwa mwedzi unouya ku Russia.

Va Dewa Mavhinga vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition. VaMavhinga vanoti pane zvizhinji zvinoda kuitwa kuti Zimbabwe izokwanisa kupihwa mvumo yekungesa mangoda ekwa Marange.

XS
SM
MD
LG