Accessibility links

Breaking News

Musangano Mukuru weMadzimai Unoitwa mu Zimbabwe


Vaimbova mutungamiriri we Ireland, Amai Mary Robinson, ndivo munyarikani pamusangano uyu. Amai Robinson vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanira kumisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu, uye yotsvaga nzira dzekuti zvinhu zvakadai zvisaitika

Madzimai emuAfrica ari kuita musangano wekuzeya zvinhu zvaanosangana nazvo muhupenyu. Musangano uyu wakavhurwa nemutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vakati hurumende yavo iri kuita zvese zvainogona mukukurudzira madzimai.

Vaimbova mutungamiriri we Ireland, Amai Mary Robinson, ndivo munyarikani pamusangano uyu. Amai Robinson vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanira kumisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu, uye yotsvaga nzira dzekuti zvinhu zvakadai zvisaitika.

Amai Robinson vanoti madzimai nevana ndivo vanoshungurudzwa zvakanyanya mumhirizhonga dzezvematongerwe enyika. Amai Robinson vanotiwo pakanyorwa bumbiro remitemo re Zimbabwe ku Lancaster House Conference muna 1979, painga pasina kana munhukadzi, naizvozvo mukunyora bumbiro idzva, madzimai emuZimbabwe anofanirwa kuvepo, kuitira kuti zvavanoda zvinge zviri mubumbiro idzva. Amai Paurina Gwanyanya-Mpariwa ndivo gurukota remabasa nevashandi.

Amai Paurina Gwanyanya Mpariwa vanoti musangano uyu wapa shungu kune madzimai kuti vade kuti izwi ravo rinzwikwe munguva yekugadzira bumbiro idzva remutemo.
XS
SM
MD
LG