Accessibility links

Breaking News

Murairidzi weZimbabwe Warriors Anoda Nguva yeKugadzirira


Murairidzi wechikwata chenhabvu chemaWarriors, Va Norman Mapeza, vanoti zvikwata zvenhabvu zvinenge zviri mumakwikwi epamusoro, zvinofanirwa kupihwa nguva yakakwana yekugadzirira nesangano rinomirira nhabvu munyika, reZimbabwe Football Association (ZIFA).

VaMapeza ndivo vaive kochi wechikwata cheZimbabwe, icho chakakundwa mumakwikwi eCECAFA Senior Challenge Cup 4-1 nechikwata cheRwanda mumutambo we Quarter Final, uyo wakatambirwa muNairobi kuKenya neChipiri.

Va Mapeza vanoti vakomana veZimbabwe vakakundwa sezvo vasina kunyatsogadzirira mutambo uyu. Vanoti chishuwo chavo chekuti Zifa ipe chikwata chinomirira nyika nguva yakakwana yekugadzirira makwikwi anenge aripo. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZifa kuti seyi isiri kupa chikwata cheZimbabwe nguva yekugadzirira yakakwana.

Nyika dzasara dziri mumakwikwi aya iRwanda, Zanzibar, Tanzania neUganda, idzo dzichakweshana muSemi Final. Nyika mbiri ndidzo dzichipinda mumakwikwi ekupedzisira emukombe uyu.

murairi

XS
SM
MD
LG