Accessibility links

Breaking News

Munyori Mukuru weGAPWUZ Obuda Munyika Achityira Hupenyu Hwake.


Munyori mukuru weGeneral Agriculture and Plantations Workers Union, GAPWUZ, Amai Gertrude Hambira, vabuda munyika vachityira hupenyu hwavo.

Zvinonzi pari zvino Amai Hwambira vari mu South Africa, zvichitevera kushungurudzwa kavanonzi vanga vachiitwa nevasori.

Amai Hambira vanoti vakaendeswa pamberi pesangano reJoint Operation Command, JOC,svondo rapera vachibvunzurudzwa pamusoro pefirimu rinonzi “House of Hunger” iro rinoratidza kushungurudzwa kwevashandi vemumapurazi panenge pachitorwa mapurazi evachena nechisimba.

JOC iboka rehurumende rine mauto, mapurisa, pamwe nevasori, iro rinoita basa raro riri pasi pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vamwe vashandi veGAPWUZ vanonzi vava kugara vakahwanda, vanosanganisira mutuariri wesangano iri, VaTapiwa Ziviri.

Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vanoti Amai Hambira vaona zvakakodzera kuti vambobudika munyika sezvo zviri kuitika kwavari, zvichivashungurudza zvikuru.

XS
SM
MD
LG