Mumiriri we Kadoma Central mudare reparamende, amai Editor Matamisa, vatanga chirongwa mudunhu ravanomirira chekukurudzira kuwadzana nekugarisana zvakanaka pasina mhirizhonga.
Amai Matamisa, avo vanova nhengo ye MDC-T, vari kubatsira madzimai kuburikidza nekuvapa mayunifomu nemabhora kuitira kuti vatambe nhabvu nemimwe mitambo sechinhu chinobatanidza vanhu mukupedza mhirizhonga mumatunhu nemaruwa.
Meya ve Kadoma, va Peter Matambo, vataurira Studio 7 kuti vechidikiwo vari muchirongwa ichi zvekuti vakaungana nezuro munhandare yerimuka kuti vapedze dambudziko remhirizhonga mungavo mudzimba kanawo yezvematongerwe enyika.