Accessibility links

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum Vopomerwa zviri pamutemo mhosva yekutyora mutemo unoona nezvekunyoreswa kwemasangano akazvimirira

  • Patience Rusere

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaAbel Chikomo, vakapomerwa zviri pamutemo mhosva yekutyora mutemo unoona nezvekunyoreswa kwemasangano akazvimirira we Private Voluntary Organisations Act.

VaChikomo vanga vachitsvagwa nemapurisa kutanga kwakurume. Marimwe zuro mapurisa akashanyira mahofisi esangano iri achiti aida kuona vachikomo, asi akavashaya pamahofisi avo. Mapurisa ari kuti vachikomo vane mhosva yekufambisa mabasa esangano ravo vasina kunyoresa.

Studio7 haina kukwanisa kubata vachikomo kuti zvakawanda.

Patience Rusere weStudio 7 aita hurukuro navanoongorora zvematongerwe enyika, VaEarnest Mudzengi, kuti tinzwe maonero avo pane zviri kuitika.

XS
SM
MD
LG