Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Votosvora Vatori veNhau


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru
Vatori venhau vatsoropodza vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, nekutsoropodza kwavakaita vatori venhau nekuburitsa kwavari kuita nyaya dzehuori mumakambani ehurumende.

Mupepeti vebepanhau re The Zimbabwean, uye vari nhengo yebhodhi re Voluntary Media Council of Zimbabwe, Va Tawanda Majoni, vanoti mashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika haatarisirwe kubva kwavari munguva iyo veruzhinji munyika vakatarisira kuti patorwe matanho pavanhu vari kupomerwa mhosva dzehuori pamusoro pemadzamatsama emari dzinonzi dziri kutambirwa nevamwe vakuru-vakuru mumakambani ehurumende.

Izvi zvatsinhirwa nemupepeti webepanhau re News Leader, Va Itai Dzamara.

Va Majoni vatiwo hazvipe chimiro chakanaka kumutevedzeri wemutungamiri wenyika kuti avharidzire huori uye kuti vatori venhau vavharwe miromo yavo panyaya iyi.

Va Dzamara vanotiwo vave kutyira kuti vatori venhau vanogona kuzotadza kushanda vakasununguka zvichitevera mashoko aAmai Mujuru aya.

Vachitaura nemadzimai e Zanu PF kumusangano wakaitirwa ku Chinhoyi neSvondo, Amai Mujuru vakashoropodza vatori venhau nekuburitsa kwavari kuita nyaya dzehuori hunonzi hwakateshera mumakambani ehurumende vachiti nyaya idzi hadzifanirwe kutaurwa mumamapepnhau.

Zvichakadai, MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai yashorawo mashoko aAmai Mujuru aya.

Mutauriri webato iri, Va Douglas Mwonzora, vaburitsa mashoko ekuti Amai Mujuru vanofanira kusiya basa nepamusana pemashoko avo aya.

Amai Mujuru vakati kubuditswa kwenyaya dzehuori mumapepanhau kuri kukonzerwa nevanhu vari kupandukira nyika.

Va Mwonzora vanoti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka munyika nepamusana pehuori hwavari kupomera nhengo dze Zanu PF dzavasina kudoma nemazita.

VaMwonzora vakurudzirawo mapurisa pamwe nekomisheni inowona nezvenyaya dzehuori kuti iferefete Amai Mujuru pamusoro pemashoko avo aya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Mujuru.
XS
SM
MD
LG