Accessibility links

Breaking News

Muimbi Mbeu Oburitsa Dambarefu Idzva neChishanu


Muimbi Mbeu

Muchikamu chedu chemumhanzi nhasi tirikutarisa nezvedambarefu idzva riri kuburitswa nemusi weChishanu nemuimbi weAfro-Fusion Ashton "Mbeu" Nyahora rinonzi Mhodzi Diaries 1.

Maneja waMhodzi Tribe Band VaEugene Museredza vanoti mabiko ekuparura dambarefu iri achaitirwa ku Theatre in the Park, Harare Gardens kutanga nenguva dzesere manheru.

Dambarefu idzva iri rine nziyo gumi uye rakatsikiswa kuMonolio Studios yaClive Mono Mukundu.

Nziyo dziripo dzinosanganisa Mhondi Yenguva, Matare, Kondo, Kafira Mberi, Ngoni, Baba Vedu, Dambudziko, Zambuko naAfrica. Tererai hurukuro yaVaMuzeredza naBlessing Zulu weStudio 7.

Hurukuro naVaEugene Museredza
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG