Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzira Kubhadharwa Mari Ine Musoro kweVashandi Vose veHurumende


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vanoti vadzidzisi navana mukoti kusanganisirawo vashandi vose vehurumende vanofanirwa kuwedzerwa mari dzavanotambira nekuti vari kuita basa rakakosha munyika.

Vatiwo bato ravo richazadzisa zvose zvarakavimbisa veruzhinji munyika apo vaitsvaga rutsigiro musarudzo dzakaitwa gore rino.

Vachivhura musangano wavo wepagore muChinhoyi, VaMugabe avo vanova zvakare mutungamiri wenyika, vafadza veruzhinji apo vati vashandi vemuhurumende, zvikuru vadzidzisi navana mukoti, vanofanirwa kuwedzerwa mari dzemihoro sezvo vari kuita basa guru munyika.

VaMugabe vatiwo Zanu PF ichakurukura nyaya dzakawanda dzinosanganisira kuwanikwa kwechikafu munyika, kuwanikwa kwemvura yakachena, kuwanikwa kwemishonga muzvipatara, kugadzirwa kwemigwagwa pamwe nekugadzira zviwanikwa kuti zvikoshe mari yakawanda zvichiri munyika.

Sezvave garoziva musoro wetsuro kushaya nyanga, VaMugabe vashoropodza hurumende dzeAmerica neBritain vachiti ndivo vavakakunda pasarudzo dzapera nekuti vaitsigira bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Mashoko aVaMugabe atsigirwa nemutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, avo vati bato ravo rakazvipira kuvandudza hupfumi hwenyika.

Mumashoko avo ekuchingamidza mhomho yevanhu vanga vari pamusangano uyu, sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaTemba Mliswa, vati makambani anochera zvicherwa anofanira kupa mari yakawanda kuzvizvarwa zvenzvimbo dzavanenge vachichera zvicherwa.

VaMliswa vapa semuenzaniso kambani ye Zimplats iyo yavanoti haisati yapa mari inosvika mamiriyoni gumi ayo yakavimbisa vanhu vemudunhu reMashonaland West.

Vanoti kambani yeZimplats yakangopa mari inosvika mazana mana ezviuru zvemadhora iyo yavanoti ishoma zvikuru.

VaMliswa vatiwo vachashanda zvikuru mukuedza kubatanidza mapoka ari kurwisana mubato ravo.

Izvi zvinotevera mashoko aVaMugabe neChina, avo vakati vanhu vemubato iri vanofanirwa kubatana, kwete kuita zvikwata zvinorwira masimba.

Zvichabuda pamusangano uyu ndizvo zvinotarisirwa kuzoshandiswa nehurumende mukuvandudza hupfumi uho veruzhinji vanoti hwaenda kumawere.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG