Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoshora Vanoda Kuvandudza Mashandiro eMauto


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti pane vamwe vari munyika vanoda kukukanganisa mashandiro emauto kubudikidza nekuda kuvandudza mashandiro emauto.

Vachitaura pazuva rekucherechedza mabasa emauto, defence forces day, VaMugabe vati mashandiro emauto haasi kuzochinjwa nekuti Zimbabwe ndeimwe yenyika dzine runyararo muAfrica nekuda kwehunyanzvi hwemauto pakudzivirira nyika.

VaMugabe vakurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti vashande nemauto mukuramba kuvandudza mauto vachiti ichi chirongwa chenyika dzekumavirira chekuda kukanganisa runyararo munyika.

VaMugabe vatora mukana uyu kutenda vanhu vemuZimbabwe nekuvavhotera ivo nebato ravo musarudzo vachiti izvi zvichavapa mukana wekupedzisa chirongwa chekuendesa masimba ehupfumi kuvatema.

Vatendawo mauto nekuita zvirongwa zvino simudzira magariro evanhu pamwe nekubatsira mapurisa mukudzivirira kuparwa kwemhosva munzvimbo zhinji munyika dzakaita senzvimbo dzinopinda nekubuda nevanhu munyika pamwe nekuminda yemangoda kwaMarange.

Kunyange hazvo VaMugabe varumbidza mauto, pane mamwe mapato ezvematongerwo enyika akaita seMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevanhuwo zvavo vanoti mauto ari kushungurudza veruzhinji pamwe nekushanda nebato reZanu PF izvo zvisiri pamutemo webasa rawo.

Zvikwata zviviri zveMDC hazvina kupinda mumhemberero idzi sezvavakaita neMuvhuro ku Heroes Acre.

Asi mumwe wevatevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vapinda mumhemberero idzi zvavakaita zvakare neMuvhuro kuHeroes Acre.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG