Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanotuka America Vachiti Inopenga


Mutungamiri weZanu PF, Va Robert Mugabe, vashoropodza America vachiti iri kupindira munyaya dzematongerwo enyika muZimbabwe.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri vavo muChinhoyi, VaMugabe vanoti America inopenga kana ichiti sarudzo hadzifanirwe kuitwa muZimbabwe nekuti mashandiro emauto nemapurisa haasati avandudzwa.

VaMugabe vanotiwo sarudzo dzichaitwa murunyararo, uye nyika dzekumavirira dzinofanirwa kusiyana nezviri kuitika muZimbabwe, nekuti zvemuZimbabwe ndezvevana veZimbabwe.

Vanotiwo America neBritain dzakadududza pachirongwa chekubatsira kuendesa ivhu kuvanhu, izvo zvakazoita kuti Zimbabwe izviitire yega chirongwa ichi.

Vatiwo nyika iki dzaona kuti dzakundikana, ndakatanga kushandisa bato reMDC kuti ichinje hurumende.

Zvichakadai, mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, vakurudzira vatsgiri ve Zanu PF, zvikurusei vechidiki, kuti vasaite zvemhirizhonga.

Vanhu vakawanda vakafa vamwe vakakuvara zvakaipisisa zvichitevera mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika yakaitika pasarudzo dzemuna 2008.
XS
SM
MD
LG