Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanogadzwa seMutungamiri Mutsva


Mutungamiri weZanu PF, Va Robert Mugabe, vagadzwa zviri pamutemo neChina semutungamiri wenyika kwemakore mashanu anotevera.

Kugadzwa kwaVaMugabe kutevera kukunda kwavakaita musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru idzo dzinonzi neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, dzakabirirwa.

VaMugabe vatora mhiko pamberi pemukuru wevatongi munyika, VaGodfrey Chidyausiku, pachiitiko chaitirwa kunhandare yeNational Sports Stadium.

Vachitaura mushure mekutora mhiko, VaMugabe vati sarudzo dzakaitwa munyika dzaive murunyararo uye dzikaitwa zviri pachena.

Vatsoropodzawo nyika dzakaita seAmerica, Canada neAustralia nekushora kwadzakaita sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru vachiti Zimbabwe inyika yakazvimirira inofanira kutara yega gwara rainoda kutora.

Vatiwo hurumende yavo ichashanda zvakasimba mukuwanisa veruzhinji mabasa, kugadzirisa matambudziko ari kusangana neveruzhinji anobata nyaya dzekushaikwa kwemagetsi, kufa kwaita maindaisitiri, uye vatiwo vachisimbaradza chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

VaMugabe vatenda South Africa, zvikurusei vaimbova mutungamiri wenyika iyi, VaThabo Mbeki, pamwe nevari kutungamira South Africa pari zvino, Va Jacob Zuma, nekuyananisa kwavanga vachiita mugakava remu Zimbabwe.

Vatiwo vari kutsvaga kudyidzana nenyika dzepasi rose. Vati nyaya dzemu Africa dzinofanirwa kugadziriswa nenyika dzemu Africa kwete kuti venyika dzekumavirira vapindire.

Kugadzwa kwaitwa VaMugabe, avo vave nemakore makumi masere nemapfumbamwe, kunoreva kuti pavachapedza temu yavo yemakore mashanu, VaMugabe vachange vava nemakore makumi mapfumbamwe nemana. Vakapedza temu yavo itsva iyi, VaMugabe vachange vatonga Zimbabwe kwemakore makumi matatu nemasere.

Vanyarikani vanga varipo pakugadzwa kwaVa Mugabe vanosanganisira Va Mbeki, mutungamiri we Tanzania, Va Jakaya Kikwete, mutungamiri weDemocratic Republic of Congo, Va Joseph Kabila, mutungamiri we Mozambique, Va Amarndo Guebuza, mutevedzeri wemutungamiri we South Africa, Va Kgalema Mothlanthe, nevamwe vaimbova vatungamiri vedzimwe nyika vanosanganisira Va Festus Mogae veku Botswana, Va Ali Hassan Mwinyi wekuTanzania pamwe naVaBenjamin Mkapa, nevamwe.
XS
SM
MD
LG